Accessibility links

Breaking News

Mitemo Yerusarura Yobvumidza Musangano Wekuitira VaMugabe Machikichori

Vanoongorora nezvematongerwo enyika, vashora zvikuru, danho riri kutorwa nehurumende rekurambidza mamwe mapato ezvematongerwo enyika kuita misangano yawo, asi ichibvumidza ZANU-PF kuita misangano yayo.

ZANU-PF ichange iri muGweru mangwana ichipemberera zuva rekuberekwa kwaVaMugabe.

Nezuro zvinonzi muparamende makangouya mutevedzeri wegurukota rebazi rinoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika, sezvo mamwe makurukota ese aifanirwa kunge arimo, kusanganisira nhengo dzeparamende dzeZANU-PF vasina kuuya, vachinzi vanga vaenda kunogadzirira mhemberero idzi. Izvi zvakabva zvaita kuti basa reparamende rimiswe kwezuva iri. Izvi zvinonzi zvakaitika zvakare pakupera kwegore rapera, apo ZANU-PF yaigadzirira musangano wepagore wakaitirwa ku Goromonzi.

Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi mukuru pa University of Zimbabwe. Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Makumbe kuti tinzwe pfungwa dzavo, pamusoro pezviri kuitika izvi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG