Mapurisa emuHarare asunga zvakare nhengo nhatu dzeMDC idzo dzazvipira kumapurisa mushure mekunge dzaudzwa kuti dziri kutsvagwa nemapurisa.
Nhengo dzasungwa dzinoti mutevedzeri wemunyori wezvekunze, Muzvare Grace Kwinjeh, nhengo yeparamende inomirira Kambuzuma, VaWllas Madzimure, uye mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma.
Gweta riri kumirira vatatu ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Studio 7 kuti vatatu ava vange vazvipira kumapurisa neChina kuHarare Central Police Station mushure mekunge mapurisa ange ovatsvaga nekunetsa hama dzavo.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti havasi kuzorega mapurisa achiita madiro ajojina.
Mune imwewo nyaya, mapurisa azivisa zvekare kuti misangano yezvematongerwo enyika haichatenderwa muHarare yose. Nezuro mapurisa aimbenge ati mbare neHarare South chete ndidzo dzainge dzisisaitirwe misangano iyi.
Muchiziviso chabuda muHerald neChina mapurisa anoti anenge aronga kana kuenda kumisangano muHarare, anenge apara mhosva. MDC inoti iri kuzopikisa zviri kuitwa nemapurisa izvi mumatare edzimhosva, uye inoti ichaita misangano yayo munzvimbo idzi.
VaJacob mafume vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muCrisis in Zimbabwe Coalition vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zviri kuitwa nehurumende hazvishande.