Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Vanoti VaMugabe Vari Kutaura Zvisina Musoro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti kuvandudzwa kwesarudzo hazvirevi kuti vanoda kuramba vachitonga.

Vachitaura panhepfenyuro yeZBC pakupemberera zuva ravo rekuberekwa, VaMugabe vakati sarudzo dzikaitwa muna 2008, vanoziva kuti vanokunda musarudzo idzi.

VaMugabe vakatorawo mukana uyu kushoropodza zvikuru sachigaro weNational Consitutional Assembly, Doctor Lovemore Madhuku, vachiti munhu aru kushandiswa nevekunze mukusvibisa chimiro chenyika. VaMadhuku vanogara vakanetsana nehurumende, uye mukutanga kwegore, pane vanhu vaida kuvapisira vari mumba.

Mutori wenhau dzeStudio 7 Patience Rusere aita hurukuro naVaMadhuku kuti tinzwe kuti vanotambira sei mashoko aVa Mugabe

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG