MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, iri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, kuti zvibatsirewo muhurongwa hwekudzidzisa vagari vemumaruva, nezvekukosha kwehutongi hwejechetere.
Mutevedzeri wemunyori mudunhu reManicaland, VaWebber Chinyadza, vanova zvakare nhengo yemakomiti anoona nezve kufambiswa kwemari, pamwe neyekubuditswa kwemashoko, vanoti vanhu vari kunze kwenyika, vane mukana wakanaka pakubatsira zvirongwa izvi.
Muhurukuro yavaita nemutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba, vari mu Virginia muno muAmerica, VaChinyadza, vanotsanangura kuti chinangwa chavo ndechei.