Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa Wemasangano Akazvimirira Wotsigirana Nevashandi

Sangano reNational Association of Non-Governmental Organisations, NANGO, razivisa kuti matambudziko akatarisana nevashandi pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika, anofanirwa kugadziriswa nekuchimbidza.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, NANGO inoti ine hurongwa hwekutsvaga nzira dzekugadzirisa zvinetswa izvi, kuburikidza nekusangana nevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende.

NANGO yati iri kumirawo nevashandi pakuchemera kuwana migove inovararamisa uye yashoropodza kushandiswa kwechisimba nehurumende pavanhu vasiri kuita zvebongozozo.

Izvi zvinotevera kushandiswa kwechisimba nemapurisa nevechidiki veZanu PF mukuparadza misangano yebato rinopikisa reMDC mukupera kwesvondo.

VaFambai Ngirande avo vanoona nezve kufambiswa kwemashoko muNANGO vati mukati mesvondo rino, sangano ravo richazama kuti risangane nesangano revashandi reZCTU, vamiriri vavana chiremba vari kuramwa mabasa pamwe nevarairidzi, avo vari kuramwawo mabasa, vasati vasangana nehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG