Accessibility links

Breaking News

Makomiti Eparamende Ozeya Nyaya yeZISCO Neyavana Chiremba Vari Kuramwa Mabasa

Komiti yeparamende inoona nezvemabhizimusi, kudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika nhasi, yaita musangano nevatungamiri vekambani ye ZISCO, kuti vanzwisise zviri kuitika pakambani iyi.

Nyaya yeZISCO yakonzera mutauro kubudikidza nenyaya dzehuori, pamwe nekusafamba zvakanaka kwemabasa, izvo zvaita kuti mabasa ekugadzira simbi, nezvimwe zvakadaro, zvimbomiswa. Gurukota rinoona nezve maindasitiri pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, Va Obert Mpofu, vari kuferefetwa nekomiti yeparamende, zvichitevera mashoko ava kataura apo vaibvurudzwa nezvehuori hwepa ZISCO.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro, naVaEdwin Mushowiwa, nhengo ye komiti iyi, uyezve vari mumiriri we Dzivarasekwa muparamende, kuti tinzwe zvabuda, pamusangano wanhasi.

Zvichakadaro, komiti inoona nezvehutano, pamwe nekuchengetedzwa kwevana, yaitawo musangano ne Health Services Board, kuti vazeye nyaya yekuramwa mabasa kwavana chiremba.

Sachigaro wekomiti iyi, Va Blessing Chebundo, vanova zvakare mumiriri we Kwekwe muparamende, vaudza Studio 7 kuti vagutsikana nehumbowo hwavapihwa nenhengo dze board iri, hwekuti ivo vari kuedza nepavanogona napo, kugadzirisa nyaya iyi.

Health Services Board yati kana dai vakagadzirisa zvimwe zvichemo zvavana chiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara, hupfumi hwenyika hukaramba hwakaita sezvahuri, hazvina zvazvinobatsira, uye vashandi ava vanogona kungoramwa mabasa zvakare.

Komiti iyi haina kukwanisa kusangana zvakare nevatungamiri vebazi rehutano, sezvo vose vanzi vanga vaenda kuChad nebasa. Kuramwa mabasa kwavana chiremba vemuzvipatara zvehurumende, kwapinda musvondo rechipfumbamwe.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG