Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotadza Kuunza VaBiti Nevamwe Vavo Kudare Redzimhosva


Mapurisa neMuvhuro akatadza kuendesa kudare redzimhosva munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaTendai Biti pamwe nevamwe vatsigiri vebato iri, avo vakasungwa mukupera kwesvondo.

Vanhu ava vari kupomera mhosva yekurova pamwe nekupesvedzera kurohwa kwemapurisa nemusi weChishanu pakuratidzira kwainge kwarongwa neMDC muHarare.

Nyaya iyi tinoipihwa naIrwin Chifera, uyo aswera ari kumatare edzimhosva.

Mutungamiri weMDC, VaTsvangirai vanoti hurumende yaVaMugabe yapindwa nekutya kukuru, izvo zvava kupa kuti irarame nevechidiki vakafundiswa zvechiuto uye mapurisa nemauto mashoma kuti vambunyikidze vanhu.

Mugwaro ravanyora kuvatori kuruzhinji rwevanhu, VaTsvangirai vanoti vanhu vanofanira kubatana kana vachida kuzvibvisa pajoki reZanu-PF. Vati VaMugabe vari kuendesa nyika kumawere nekuda kwehutongi hwavo hwehumbimbindoga.

Mashoko atatambira anoti mapurisa akaswera achimbeya mbeya muHighfield neMuvhuro, uye zvinonzi ari kutsvaga vamwe vakuru veMDC kuti vavasunge.

Izvi zvinotevera mhirizhonga yakaitika NeSvondo apo mapurisa akatadzisa MDC kuita musangno wayo mu Zimbabwe Grounds kuHighfield. Dare re High Court rainge rati neMugovera mapurisa haafanirwe kuvhiringidza musangano uyu.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti mapurisa ndiwo akakonzera mhirizhonga iyi ku Zimbabwe Grounds.

Tichiri panyaya iyi, mapurisa anomirira kudzivirirwa kwemhirizhonga, kana kuti anti riot police, akatadzisawo vatsigiri ve MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara kuita musangano wavo muBulawayo neMugovera.

Vamwe vatsigiri vebato iri vakarohwa zvakaipisisa, vamwe vavo vakasungwa.

Mutori wenhau weStudio 7 Netsai Mlilo akaenda kumusangano uyu ndokutipa nyaya inotevera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG