Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozadza Mapurisa Nevasori Mumigwagwa Nedzimwe Nzvimbo


Hurumende inenge yava kuita mutyuchu nemamiriro akaita zvinhu munyika. Mumaguta ose emunyika, zvinonzi vanhu vafumoona mapurisa akazara mumigwagwa.

Zvinonziwo mapurisa anodzivirira mhirizhonga aswera achingofamba famba mumigwagwa, pamwe nekuungana pamizinda ine mahofisi ehurumende. Zvinonziwo vasori vanga vachionekwa vachingombeya mbeya muHarare, ukuwo vechidiki vakaita zvidzidzo kuBorder Gezi training centres, vanonziwo vanga vakazara mumaguta, zvikuru muHarare.

Mutungamiri venyika, VaRobert Mugabe, vakayambira kuti anenge akonzera mhirizhonga munyika, achatorerwa matanho akaomarara chaizvo.

Mashoko atatambira anotiwo sangano re Crisis Coalition in Zimbabwe, iro ranga richida kuita musangano kuKadoma, rarambidzwa kuita musangano uyu neChina.

Zvinonzi hurumende yati hakuna mapurisa anokwana kuti anochengetedze runyararo pamusangano uyu. Pave nekutyirwa munyika kuti zvinhu zvingangoipa zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevadzidzisi, pamwe nekuratidzira kuri kuda kuitwa nevamwe vashandi vehurumende.

VaGiles Mutsekwa ndivo mumiriri weMutare North uyezve vari munyori wekomiti inoona nezve Security and Intelligence mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Mutori venhau dzeStudio7 Patience Rusere ataura naVaMutsekwa kuti vatsanangure zviri kupa kuti hurumende iite zvairi kuita izvi.

Dzimwe Nhau DzeStudio7...

XS
SM
MD
LG