Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inorambidza VaTsvangirai Kuita Musangano Wavo kuZimbabwe Grounds

Sezvo zvinhu munyika zvakaita manyama amire nerongo nekuda kwevashandi vehurumende nevadzidzi vari kuramwa mabasa, mapurisa muHarare aramba kupa MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai mvumo yekuita musangano kuZimbabwe Grounds. Musangano uyu ndewe kuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro musarudzo yekutsvaga mutungamiri wenyika muna 2008.

Asi MDC inoti iri kuenderera mberi nemusangano uyu. Vamwe muZanu-PF, vachitsigirwa naVaMugabe, vanoti vari kuda kuti sarudzo idzi dziitwe muna 2010.

Mutauriri weZanu-PF, Doctor Nathan Shamuyarira, vanoti bato ravo richapeta nyaya iyi muna Kukadzi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti mapurisa akangokokwa kunhimbe akasauya musangano uyu unongoenderera mberi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG