Mapurisa emuGweru anonzi ari kurambidza misangano yese ine chekuita nezvematongerwo enyika, muguta iri, kusvikira mhemberero dze 21st February Movement dzapera, musi wa 24 Kukadzi
Mumiriri weMkoba muparamende, mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Amon Chibaya, vanoti vakanga varonga kuita musangano muGweru nemusi weChishanu, asi vakarambidzwa nemapurisa, zvichinzi hapana misangano ichaitwa muguta iri, kudzimara mhemberero dzekuberekwa kwaVa Mugabe dzapera.
Mutauriri wemapurisa, Chief Supreintendent Oliver Mandipaka vati hapana zvanoziva panyaya iyi.
VaChibaya vaudza mutori we nhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti vacharamba vachiendesa zvikumbiro zvekuita misangano yebato ravo kumapurisa, sezvo vari kuona zvakakodzera kuti vaite misangano iyi, kuitira kuti vagadzirire sarudzo dzemakanzura dzichaitwa muna Nyamavhuvhu.