Accessibility links

Breaking News

Mari Inodiwa Pakurarama Pamwedzi Yakwira Zvakare

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, rati mhuri ine vanhu vatanhatu yava kuda mari inoita $458 986.00 pamwedzi kuti irarame.

Kukwira kwemari inodiwa mukurarama uku, kunoitika apo mitengo yezvinhu zvakawanda yakakwira paine tarisiro yekuti gavhuna webhanga guru renyika vaizoderedza huremu hwedhora remunyika.

Gwaro rakaburitswa nesangano iri rinoti chanyanya kukwira mutengo idzidzo, iyo yakwira nezvikamu zvinodarika mazana maviri kubva muzana, yoteverwa neupfu hwemhando yeroller meal, shuga chena, zvekufambisa, mafuta ekubikisa, muriwo nezvimwe zvakadaro.

Mumwedzi wazvita mhuri ine vanhu vatanhatu yaida mari inoita $245 661.79 pamwedzi.

VaComfort Muchekeza vanove maneja weCCZ mudunhu reMatabeleland vaudza mutori wenhau dze Studio 7, Jonga Kandemiiri kuti izvi zvinonyanyoomera vasingashande.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG