Accessibility links

Breaking News

Mari Dzemakombi Dzoramba Dzichikwira Zvinorwadza Veruzhinji


Vemakombi nevemabhazi vanonzi vari kukwidza mari dzavanobhadharisa vanhu chero nguva, izvo zviri kurwadza veruzhinji.

Mashoko atiri kutambira anoti vagari vemuHarare vari kubhadhariswa mari dzakasiyana siyana zuva nezuva. Mari dziri kubhadhariswa vanhu muHarare dziri kusiyana siyana kubva pa $1000 kusvika pa $2 500. Ukuwo kwaMutare mari dzekufambisa dzakwidzwa neChishanu masikati, zvekuti paibviswa $1 500, pavakubhadharwa $2000. Ukuwo kuChinhoyi zvinonzi vaisimbobhara $ 500 parwendo, vava kubhadhariswa $1000 parwendo rumwe chete.

Mapurisa anonzi ari kusunga vatyairi vemakombi ava, sezvo vari kukwidza mari idzi zvisiri pamutemo. Vemakombi vanoti vari kukwidza mari idzi sezvo mafuta edhiziri nepeturu ari kudhura pamukoto pavari kuatenga. Zvinonzi mafuta aya ari kutengwa ne $5 000 pa litre, kana kudarika.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda ne sangano re Labour and Economic Development Research Institute.

Mutori wenhau dzeStudio7 Carole Gombakomba, aita hurukuro navo ndokutanga nekuvabvunza kuti chii chaizvo chiri kuita kuti mari dzekufambisa dzikwidzwe zuva ne zuva.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG