Accessibility links

Breaking News

Vasori, Mapurisa Vanotyisidzira Varariridzi Vari Pakuramwa Mabasa

Sangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe rati varairidzi munyika yose vakashinga zvikuru pahondo yavo yekuramwa mabasa apo kuramwa mabasa uku kwapinda muzuva rechina.

Sangano iri rati hurumende iri kuramba ichi tyisidzira varairidzi nekutumira muzvikoro mauto, mapurisa pamwe nevasori veCIO.

Nemusi weChipiri, mutungamiri wesangano iri VaTakavafira Zhou vakambotorwa nemapurisa eLaw and Order kwakare kuMasvingo vakabvunzurudzwa kwemaawa matatu, ndokuzoregerwa mushure mekupindira kwegweta ravo.

VaZhou vati kushungurudzwa kwehutungamiri hwePTUZ uku kuri kutosimbaradza varairidzi mukuramwa mabasa kwavo.

Mutori wedu wenhau Loidharm Moyo uyo ari maMutare atiwo kutyisidzirwa kwevararidzi uku muguta iri nenzvimbo dzakakomberedza, kuri kuenderawo mberi.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG