Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Veruzhinji Vanoti Ngapave Nebumbiro Idzva Remitemo Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Sangano re ZESN rabuditsa zvinyorwa zvinoratidza pfungwa dzeve ruzhinji pamusoro pehurongwa hweZANU-PF, hwekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe muna 2010. Pfungwa idzi ndedzevagari vemuHarare, Gweru, Mutare, Masvingo ne Bulawayo. ZESN yakatotanga kugadzirira sarudzo dzemutungamiri wenyika, idzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rinouya, zvichienderana nebumbiro remutemo wenyika. Asi ZANU-PF, inoti inoona zvakakodzera kuti sarudzo idzi dziitwe mugore ra 2010, kuti dzienderane nesarudzo dzekutsvaga vamiriri veparamende.

ZESN ichiri kuenderera mberi nekuita misangano yekunzwa pfungwa dzavanhu munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.Mumwe musangano we ZESN, uri kuitwa muChinhoyi nemusi weChishanu. Mimwe misangano yakatarisirwa kuitwa ku Kwekwe ne ku Kariba.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro na Mai Ellen Kandororo, Information Officer we ZESN, kuti vatiudze zviri kufungwa nevanhu vavakataura navo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG