Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanotiwo Vacharatidzira Kuitira Kuti Sarudzo Dzemutungamiri Wenyika Dziitwe Muna 2008


MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara neChipiri yakaparura hurongwa hwekuramba kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe muna 2010.

Izvi zvinotevera hurongwa hwe Zanu-PF hwekuda kuvandudza bumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti VaMugabe vatonge kwemamwe makore maviri panopera temu yavo gore rinouya.

Vatori venhau dzeStudio 7 Thomas Chiripasi uyo ange ari pamusangano uyu , pamwe naBlssing Zulu ari muWashington, vanoti VaMutambara vati havasi kuzorega Zanu-PF ichiita madiro ajojina panyaya iyi.

Mune imwe nyaya mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai , VaNelson Chamisa vanoti bato ravo riri kuparura hurongwa hwekuburitsa mazita evanhu vose varikutyora kodzero dzeavanhu munyika.

Mutungamiri weMDC, Tsvangirai vakataura nezve hurongwa uhu mukupera kwegore rapera apo vakaenda kuBikita vakaudzwa nevanhu kuti vainge vooneswa ndondo nemadzishe nemasadunhu vachirohwa pamwe nekunyimwa zvekudya.

VaChamisa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vanotarisira kuti vari kutyora kodzero dzevanhu vachasiya maitiro avo kana vaona kuti vanhu vari kuziva zvavanenge vachiita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG