Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Tamba Wakachenjera neZanu PF Panyaya Yesarudzo Dzemutungamiri Wenyika


Mutauriri weZanu-PF, Doctor Nathan Shamuyarira, vanoti nyaya yekuti sarudzo dziitwe muna 2008 kana kuti 2010 ichiri kuzeyiwa nebato ravo. Nhengo dze Politiburo dzisina kuda kudomwa nemazita dzinoti nyaya iyi yakakurukurwa nezvayo nedare guru rebato iri, pakatenderanwa kuti vakuru vebato iri vaende kumativi mana enyika vachinzwa zvinodiwa nevanhu. Kana pfungwa dzevanhu dzaunganidzwa Central Committee ye Zanu PF ichagara pasi kuti ibude nechisungo muna Kurume.

VaShamuyarira vati vane chivimbo kuti vari kupikisa hurongwa uhu vachaona chiyedza pachine nguva. Zanu-PF ikabudirira kuvandudza bumbiro remitemo yenyika, zvinoreva kuti VaMugabe vanenge votonga kwemamwe makore maviri kubva gore rinouya pasina kuitwa sarudzo dzemutungamiri wenyika.

Sachigaro we NCA, Dr Lovemore Madhuku, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vanhu vemu Zimbabwe vacharatidzira zvakasimba kana Zanu-PF ikatambira chisungo chekuvandudza bumbiro remitemo panyaya yesarudzo.

Tichiri panyaya iyi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kupinda muvanhu ichivaudza kuti vagadzirire sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika gore rinouya.

Motori wenhau weStudio 7 Irwin Chifera uyo ainge ari pamusangano uyu muHarare anoti bato iri rinoti richaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro musarudzo idzi musi wa18 Kukadzi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG