Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vepa UZ Vochemera kuParamende Kuti Ipindire Munyaya Dzavo Dzemihoro


Vatungamiri vesangano revadzidzisi, pamwe nevamwe vashandi (non-academic staff) vepa University of Zimbabwe, vaita musangano ndokubvumirana kuti vatange vaendesa zvichemo zvavo kudare kukomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, vasati varamwa mabasa.

Asi vamwe vashandi vemuzvimwe zvikoro zvepamusoro soro, izvo zvinosanganisira National University of Science and Technology, Midlands State University pamwe neChinhoyi University of Technology, vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa.

Vashandi vemuzvikoro ava vakatanga kuramwa mabasa svondo rapera, zvichitevera kutadza kuwirirana kwavakaita nehurumende, panyaya dzemari dzavari kutambira.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa James Mhlaule, mutevedzeri wemutungamiri we Zimbabwe State Universities Union of Academics Association, kuti tinzwe zvizere zvabuda pamusangano wavaita nhasi.

Zvichakadaro, vana chiremba vachiri kuenderera mberi nekuramwa mabasa. Vamwe vana chiremba vataura ne Studio7, vanoti vamiriri vavo vaita musangano ne Health Services Board, asi hapana chisungo chabuda pamusangano uyu.

Vana chiremba ava vanoti vakamirira kunzwa kubva kune zvipangamazano zvemutungamiri wenyika zviri kuzeya nyaya iyi.

Mashoko atiri kutambira anotiwo vana mukoti vazhinji vabatwa nekutya, izvo zviri kuita kuti vamwe vavo vatange kudzokera kubasa, kunyange hazvo vasina kupihwa mari dzavari kuda kubva kuhurumende.

Izvi zvinotevera kutorwa nemapurisa kwavana mukoti vanomwe nemusi weChishanu neSvondo. Zvinonzi vana mukoti ava vachiri mumaoko emapurisa. Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vanoti hapana zvavanoziva nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG