Accessibility links

Breaking News

Mutauriri waVaMugabe Otyisidzira Bepanhau reThe Standard


Hurumende yayambira kambani inodhinda bepanhau reThe Standard kuti ikatadza kutorera vakafanobata chigaro chemupepeti wenhau, VaBill Saidi, matanho akaomarara, iyo pachayo ichatorera kambani iyi matanho akasimba.

Munyori webazi rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, uye ari mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vati hurumende haisi kufara nemashandiro ari kuita VaSaidi.

VaCharamba vanotiwo mashoko ekuti VaSaidi vakatumirwa tsamba yaive nebara repfuti, haana nematuro ose. Vanotizve zviri kunyorwa naVaSaidi mu The Standard zvinoratidza kuti zvine chekuita negwara rekuburitswa kwemashoko iro raitevedzerwa nebepanhau re Daily News risati ravharwa.

VaCharamba vati VaSaidi vari kuita basa rekuburitsa nhau dzisina maturo, zvichitevera nyaya yakaburitswa nebepanhau iri yekuti VaGideon Gono vainge vatenga chikakarara che Mercedes Benz.

Vatiwo musi wa 14 Ndira bepanhau iri rakaburitsa mashoko aikurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende.

VaSaidi vaudza Blessing Zulu mutori wenhau weStudio 7 kuti VaCharamba vari kudakuvatyisidzira asi hazvisi kuzovhundutsira nemashoko akadai.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG