Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Hurongwa Hwemari Hwegore Rino


Gavhuna webhanga guru renyika reRBZ, VaGideon Gono, neChitatu vakaparura hurongwa hwemari vachiti havasi kuzodzikisa huremu hwedhora remu Zimbabwe sezvange zvakatarisirwa nevanhu vakawanda. VaGono vanoti chava kudikanwa ndechekuti hurumende igadzirise zviri kunetsa munyika kuitira kuti nyika ifambire mberi munyaya dzehupfumi.

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi uyo ange ari pakuparurwa kwehurongwa uhu anoti VaGono vati kunetsana pakati pevakuru munyaya dzezvematongerwo enyika kunofanira kupera kana vachida kuti hupfumi hwenyika hubude mumadhaka.

Asi Mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti zvaturwa naVaGono zvinoshanda chete kana paine mushandirapamwe pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi.

Amai Hativagonve vatiwo nyaya yekusaderedza huremu hwedhora inoshanda hayo asi kwenguva pfupi. Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai VaTendai Biti, vanoti VaGono munhu apererwa nemazano nekudaro vanofanira havo kusiya basa voenda pamudyandigere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG