Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vemumapurazi Nevashandirwi Voita Mangange Pamari Dzemihoro

Sangano rinomirira vashandi vemumapurazi reGeneral Agricultural and Plantation Workers Union of Zimbabwe, GAPWUZ, razivisa kuti hurukuro dzemihoro dzaranga richiita navana muzvinapurazi dzaita mangange, izvo zvava kupa kuti sangano iri ridzokere kunhengo dzaro kunotsvaga danho rekutora.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro dziri kuda kuti dzitambiriswe $100 000.00 pamwedzi, asi vashandirwi vanoti havakwanisi kubhadhara mari yakadai. Vamwe vashandirwi vanonzi vari kuda kuti vashandi vavo vatambire mari inosvika pa$50 000.00.

Pari zvino vashandi vemumapurazi vazhinji vari kutambira mari inoita $8 320.00 pamwedzi. As sangano re Consumer Concil of Zimbabwe rinoti kuti munhu ararame zvakanaka, anofanirwa kunge achitambira mari inodarika $352 000 pamwedzi.

Hurukuro idzi ndedze chikamu chekutanga chegore rino, icho chinosvika muna Kubvumbi kuti kuzoitwazve dzimwe hurukuro.

Sachgaro weEmployment Council for Agriculture, VaClever Kugotsi, vaudza Studio 7 kuti vane tarisiro yekuti hurukuro idzi dzichaburitsa kuwirirana.

Amai Getrude Hambira munyori weGAPWUZ vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vamirira kunzwa zvinobva kunhengo dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG