Makambani embozhanhare anoti mari shoma dzavari kubhadharisa veruzhinji dziri kuita kuti basa ravo risafambe zvakanaka.
Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezve kufambiswa kwemashoko, neMUvhuro, vamiri ve Net-One, Econet, pamwe ne Telecel vati mari shoma idzi hadziiti kuti bhizinesi ribudirire, zvikuru munguva ino, apo mari yemunyika iri kuramba ichepera simba.
Econet yanga yakamirirwa naVa Douglas Mboweni, avo vati panodiwa mari inoita US$ 150 000 kuti vavandudze base station imwe chete. Sachigaro wekomiti iyi, Va Leo Mugabe, vatiwo pane mashoko anoti NetOne yakaburitsa maraini embozhanhare pamukoto. VaMugabe vanonzi varatidzawo mumiriri we NetOne, Va Reward Kangai, tsamba iyo vati inotaura nezve huori huri kuitwa nevashandi ve NetOne. Asi tsamba iyi haina kuratidzwa vatori venhau.
Va Dennis Nikisi ndivo mutungamiri we Graduate School of Management pa University of Zimbabwe.
Patience Rusere weStudio7 abvunza vaNikisi kuti vanoonawo seyi zviri kuitika mumakambani aya.