Accessibility links

Breaking News

Vafundisi Vedzisvondo Vopinda Muzvipatara Vachinamatira Varwere


Nhengo dzesangano revafundisi reZimbabwe National Pastors’ Conference, dzapinda muzvipatara neChina dzichiona varwere.

Izvi zvinotevera kuparurwa neChitatu kwehurongwa hwekushanyira varwere vari muzvipatara.

Sangano iri riri kupinda muzvipatara richinamatira varwere pamwe nekuvashingisa munguva ino, apo vana chiremba navana mukoti vari kuramwa mabasa.

Vafundisi ava vari kushanyira zvipatara zvose zvehurumende zviri munyika vachishingisa varwere kuti vave netariro mune zvose zviri kuitika pari zvino.

Vanoti dai hurumende yatora matanho nekukasika, kuitira kuti vanhu vasarambe vachishupika kana kurasikirwa nehupenyu.

NeChitatu chakare, sangano reSave Zimbabwe Campaign rakaparurawo chirongwa chekuramba kuti sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika dziitwe muna 2010 dzichibatanidzwa nesarudzo dzekutsvaga vamiriri veparamende.

Mutauriri weZimbabwe National Pastors' Conference Pastor Ancelom Magaya vaudza Jonga Kandemiiri, mutori wenhau weStudio 7 kuti vacharamba vachishanyira varwere kana dai zvinhu zvakazo dzokera pakanaka muzvipatara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG