Accessibility links

Breaking News

Save Zimbabwe Campaign Yokurudzira Kuti Sarudzo Dzemutungamiri Wenyika Dziitwe Muna2008


Masangano ari mumubatanidzwa we ”Save Zimbabwe Campaign” aratidzira neChitatu muHarare apo anga achiparura chimwe chirongwa chekuramba kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe mugore ra2010, sezviri kuda kurongwa neZanu PF.

Chirongwa ichi chiri pasi pedingindira rekuti “Tichavhota muna 2008 pasi pebumbiro idzva remitemo”.

Chirongwa ichi chichapa vanhu mukana wekuburitsa pfungwa dzavo pachena.

Gore rapera, Save Zimbabwe Campaign yakaparurazve chimwe chirongwa chekuita ruzha kwemaminitsi mashanu Chitatu choga choga, senzira yekuratidza kusafarira kwayo mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezve matongerwo enyika, pamwe nehupfumi..

VaRashid Mahiya, avo vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vari mumwe wevanhu varonga kuratidzira uku, vaudza mutori wenhau weStudio7, Jonga Kandemiiri kuti zvi zvichapa vanhu pfungwa dzekuti vasataurire muhapwa, asi kuti vabude pachena.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG