Accessibility links

Breaking News

Masangano Anopikisa Otumira Nhumwa Dzekunoudza Vatungamiri Vemu Africa Zviri Kuda Kuita VaMugabe

Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nemasangano akazvimirira oga ari kutumira nhumwa kumusangano weAfrican Union. Chinangwa chenhumwa idzi ndechekunokumbira vatungamiri venyika dzemuAfrica, kuti vadzore VaMugabe avo vave kuda kuvandudza bumbiro remitemo, kuitira kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe muna 2010, kwete 2008.

Musangano uyu uri kuitirwa kuAddis Abba muEthiopia. Makurukota ehurumende anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, ari kutarisirwa kusangana neChina. Vatungamiri venyika kusanganisa VaMugabe, vari kusangana kutanga neMuvhuro vopedza neChipiri.
Vamwe vachange vari kumusangano uyu vanosanganisira munyori wezve gwara nehurongwa hwe MDC, amai Sekai Holland, mutevedzeri wemunyori wezve kudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, muzvare Grace Kwinje, pamwe namuzvare Tafadzwa Mapfumo, avo vanoshanda neZimbabwe Human Rights (NGO) Forum.

Doctor John Makumbe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

Doctor Makumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kunyange AU ichinonoka kupa mhinduro, vanopikisa hurumende yaVaMugabe havafanire kuora moyo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG