Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri Vevadzidzi Vemuzvikoro Zvepamusoro soro Vosangana Nehurumende  neChipiri


Vatungamiri vezvikoro zvepamusoro soro vanoti vari kusangana neChipiri negurukota rezvedzidzo yepamusoro soro, Doctor Stan Mudenge.

Chinangwa chemusangano uyu ndechekutsvaga nzira dzekugadzirisa zvichemo zvevadzidzi ava. Mutungamiri we zinasi, VaPromise Mkwananzi, vanoti vadzidzi vakanga vamboramwa zvidzidzo zvavo svondo rapera, vadzokera muzvikoro vachimirira zvichabuda pamusangano wavo nehurumende.

VaMkwananzi nevamwe vavo vakambosungwa nemapurisa svondo rapera muBulawayo.

Mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere weStudio aita hurukuro naVaMkwananzi ndokutanga nekubvunza kuti zvinhu zvakamira seyi pari zvino muzvikoro zvepamusorosoro.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG