Accessibility links

Breaking News

PSL Yoita Musangano neMugovera Wekuzeya Kutanga Kwemwaka Wenhabvu

Zvikwata zviri mu PSL zviri kusangana neMugovera muKwekwe umo zvichazeya zvinhu zvavanofanirwa kuita mumwaka wenhabvu. Pamusangano uyu pachakurukurwawo nyaya yezvikwata zvitsva zvava mu PSL.

Zvimwe zvikwata zviri zvemu PSL zviri kukurudzira kubatana pamwe nekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu musangano iri.

Munyori muchikwata cheMonomotapa, VaDavid Makombe, vanoti kushanda zvakanaka kwezvikwata izvi nesangano re PSL ndiko kwega kungabatsira remangwana nekukurudzirwa kwemutambo wenhabvu munyika.

VaMakombe vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio 7 kuti vane chivimbo chekuti vachaona rutsigiro gore rino.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG