Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weGirl Child Network, Muzvare Makoni, Vowanazve Mubairo

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevana reGirl Child Netowrk, Muzvare Betty Makoni, mumwe wemadzimai matatu akawana mubairo wekurwira kodzero dzevana weWorld’s Children Prize for the Rights of the Child wegore rino.

Vamwe vakasarudzwa pamwe naMuzvare Makoni ndiCynthia Maung wekuBurma naInderjit Khurana wekuIndia.

Mubairo uyu, uyo une mari inokwana kuita US $140 000.00, uye uri muzvikamu zvitatu zvinoti cheThe World's Children's Prize, The Global Friends' Award, uye The World's Children's Honorary Award.

Vatatu ava ndivo vachagovana mubairo wemari, uye vana vepasi rose ndivo vachasarudza munhu akakodzera kuwana mubairo wezvikamu zvitatu izvi uye vachasarudzwa musi wa13 Kubvumbi vozoziviswa musi wa16 Kubvumbi kuSweden.

Muzvare Makoni vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti chakaita kuti vakwanise kuve pakati pevari kuwana mubairo uyu, ibasa ravo rekubatsira kwavari kuita vanasikana vari kushungurudzwa nenzira dzakasiya siyana.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG