Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshushikana Nepfungwa yeHurumende Yekuda Kudzosa Operation Murambatsvina

Vamwe vakabatsira vanhu vakapunzirwa dzimba dzavo munguva yeOperation Murambatsvina muna 2005, vashora zvikuru hurumende iyo iri kuti vanhu vangangopunzirwa dzimba dzavo zvakare, kana vakaramba vachivaka zvitumba zvisiri pamutemo.

Vachitaura muHarare neMuvhuro, gavhuna weHarare, Va David Karimanzira, vakati Operation Murambatsvina ingangodzoka zvakare, sezvo vanhu vari kuvaka zvitumba munzvimbo dzisina kufanira. Vanhu vanosvika zviuru mazana manomwe vakasiiwa vasina pekugara zvichitevera kuputsirwa kwavakaitirwa dzavo. Zvakaitwa nehurumende zvakashorwa zvikuru nemasangano akazvimirira, pamwe ne United Nations.

Reverend Ray Motsi ndemumwe wevafundisi vakatanga hurongwa hwekubatsira vanhu vakapunzirwa dzimba dzavo mu Operation Murambatsvina.

Reverend Motsi vaudza Carole Gombakomba kuti vari kushushikana nemashoko ari kubva kuhurumende aya.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG