Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa NaVaTsvangirai Inobuda Nezvisungo Pamusangano Waitirwa muHarare


National Executive ye MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yaita musangano Chishanu wekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyika, pamwe nekutsvaga nzira dzekupedza matambudziko akatarisana nenyika.

Bato iri rinonzi rabata bata nyaya yesarudzo dzemutungamiri wenyika, idzo dziri kufanirwa kuitwa muna 2008, kunyange hazvo ZANU-PF iri kuti dziitwe muna 2010.

Vapinda mumusangano uyu vanoti MDC yawirirana kuti itange kugadzirira sarudzo idzi dzemuna 2008, sezvo ichapikisa hurongwa hwekuti sarudzo dziitwe muna 2010.

Zvinonziwo vakuru ve MDC vataurawo nezve hurongwa hwe democratic resistance campaign, uho hunonzi huchange huchitungamirwa nesangano reSave Zimbabwe Campaign. MDC inhengo yemusangano uyu. Nyaya yanga ichitaurwa nemapepanhau yekutaurirarana kuri pakati pezvikwata zviviri zve mdc, iyo yanga ichinzi ichataurwa nezvayo, haina kana kumbobatwa nezvayo pamusangano wanhasi.

Mutauriri we MDC, VaNelson Chamisa, vati zvizhinji zvabuda pamusangano uyu, zvichaziviswa svondo rinouya. Patience Rusere westudio7 abata VaChamisa vachangopedza musangano wavo ndokuvabvunza zvatora nzvimbo mumusangano uyu.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG