Accessibility links

Breaking News

Vemabhizinesi Vogadzira Zvinhu Zvishoma Vachimirira Kudzikwa Kwemitengo Mitsva

Kunonoka kwehurmende kubvumirana nevemabhizinesi panyaya dzemitengo mitsva yezvinhu, kunonzi kuri kukonzera kuti zvimwe zvinhu zvishaikwe munyika.

Vaimbove mutungamiri we Zimbabwe National Chamber of commerce, VaLuxon Zembe, vanoti makambani anogadzira zvinhu zvakaita sechingwa, flour, neshuga, ava kugadzira zvinhu zvishomanami kuitira kuti varambe vari mubhizinesi, apo vanenge vakamirira kudzikwa kwemitemo mitsva.

Consumer Council of Zimbabwe yemuBulawayo inotiwo muguta iri hamusisina tsigiri. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hurumende haisi kuda kuisa ruoko rwayo panyaya dzemitengo mitsva, sezvo vanhu vari kuomerwa nehupenyu.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaZembe kuti ichokwadi here kuti vanogadzira zvinhu izvi vari kunonokerwa kupihwa bvumo yekukwidza mitengo nehurumende.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG