Mitengo yema anti-retrovirals, ARVs, muzvitoro inonzi yakwira muzvitoro zvemishonga kudarika zvakapetwa kaviri kubva patanga gore, izvo zvava kupa kuti vanhu vazhinji vari kushandisa mishonga iyi vaomerwe nehupenyu.
Nevirapine, Lamivudine pamwe neStavidune ndiyo mimwe yemishonga inonzi ine mitengo yakwira zvakanyanya .
Vari kushandisa mishonga yakaita seLamavatin, Viagin neKeltrat vaudza Studio 7 kuti pamwedzi vava kuda mari iri pakati pe$110 000.00 ne$150 000.00, kubva pamari yaive pakati pe$45 000.00 kusvika pa$60 000.00.
Vanhu vazhinji vanonzi vanoda mishonga inodarika miviri pamwedzi.
VaBenjamin Mazhindu, national director weZimbabwe Network of People Living Positively with HIV and Aids vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mishonga mizhinji yavanoda haiwanikwi muchirongwa chehurumende chekubatsira vanoda mishonga, izvo zvinozoita kuti vaende kuzvitoro zvinotengesa mishonga iyi.