Accessibility links

Breaking News

ZESA Yoronga Kuvandudza Mashandiro Ekambani Iyi Izvo Zvichapa Kuti Vamwe Varasikirwe Nemabasa


Kambani yeZESA iri kuronga kuvandudza mashandiro ekambani iyi, uye zviri kutarisirwa kuti vashandi vazhinji vacharasikirwa nemabasa.

ZESA haina kuda kutaura nezvenyaya iyi, asi vataura ne Studio 7 vanoti sachigaro we ZESA, Professor Christopher Chetsanga, vachaudza vatori venhau nezvehurongwa hwekuvandudza kambani iyi, svondo rinouya.

Ukuwo vamiriri verimwe sangano revashandi veZESA, re Zimbabwe Electricity and Energy Workers Union, vanoti vakanzwa nezve hurongwa uhwu, asi hapana chavati vaudzwa nekambani yavo kuti nyaya yevashandi yakamira papi muhurongwa uhwu.

Vashandi veZESA vakambokanda mapadza pasi svondo rapera, vachiti mari yavari kuwana ishoma, uye mari yavari kuda kuwedzerwa nekambani yavo, ishoma.

Mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro na Engineer Simbarashe Mangwengwende, avo vaimbova Chief Executive Officer ve ZESA, ndokutanga nekuvabvunza kuti kuvandudzwa kwemashandiro ekambani iyi, kungashandura maitirwo ebasa paZESA here.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG