Accessibility links

Breaking News

Britain Yoenderera Mberi Zvakare Nekutemera VaMugabe Nevamwe Vavo Zvirango

Paramende yemuBritain yabvumirana kuti zvirango zvakatemerwa vatungamiri vehurumende pamwe nenhengo dze ZANU-PF, zvienderere mberi.

Mutauriri we Liberal Democratic Party, Lord Eric Avebury, vanoti zvirango izvi zvichabatawo vanhu vatsva. Lord Avebury vapa mufananidzo wemutungamiri webhanga guru renyika, VaGideon Gono, avo vanonzi vakatenga motokari yakaita 356 000 US Dollars.

Makurukota anoona nezvekunze kwenyika dziri mu European Union ari kusangana musiwa 23 Ndira pamusangano wavari kutarisirwa kubuda nechisungo chekuti zvirango izvi zvienderere mberi. Asi mutauriri we ZANU-PF, Doctor Nathan Shamuyarira, vataurira vatori venhau kuti Zimbabwe haina zvayakatadzira nyika idzi, nokudaro zvirango izvi hazvifanirwe kunge zviripo.

Reverend Nicholas Mukaronda ndivo Co-ordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition. Patience Rusere weStudio 7 ataura navo ndokutanga nekuvabvunza kuti vanofungei nedanho ratorwa neBritain.

Dzimwe Nhau DzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG