Mashoko atiri kutambira anoti vashandi vekambani yeZBH vari kurongawo kukanda mapadza avo pasi, zvichitevera kusawirirana kwavari kuita nevakuru vekambani iyi.
Vashandi ava vanonzi vari kuti vanofanirwa kuwedzerwa mari dzavanotambira ne 200%, asi ZBH inoti haina mari iyi. Vamiriri vevashandi vanonzi vaita musangano neChishanu nemutungamiri we ZBH, VaHenry Muradzikwa, avo vanonzi vaudza vashandi kuti hapana mari yavari kuwedzerwa, sezvo kambani iyi isina mari. Kambani ye ZBH yakawedzera vashnadi ne 50% mwedzi wapera, asi vashandi vanoti mari iyi ishoma.
Zvinonzi pari zvino vatungamiri vesangano revashandi vari kuronga kuti vofambisa seyi nyaya yekuramwa mabasa, sezvo vatadza kuwirirana nevakuru veZBH.
Asi imwe nhengo yesangano revashandi, Va Wellington Nyoni, vati hapana zvakadaro zviri kuitika paZBH, kunyange hazvo vamwe vashandi vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.
Mutugamiri we ZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti vashandi vehurumende pamwe nemakambani ehurumende, ndivo vari pamberi panyaya yekuda kuratidzira, asi maoko avo akasungwa nekuti vanoshandira hurumende.
Patience Rusere weStudio7 ataura naVaMatombo kuti vatiudze zvavanofunga nemawandiro ari kuita vashandi vari kunyunyuta nemari dzavanotambira.