Accessibility links

Breaking News

VaTekere Vanonyora Nganonyorwa Yehupenyu Hwavo Inobata bata VaMugabe


VaEdgar Tekere avo vaimbova munyori mukuru weZanu-PF, vari kutarisirwa kuburitsa bhuku renhoorondo yehupenyu hwavo nemusi wechina svondo rinouya. Bhuku iri rinonzi, ‘’A Life Time of a Struggle” rinoburitsa VaMugabe vari mutungamiri asina kunyatsosimba uye akatoitawo zvekukokwa naivo VaTekere nevamwe kuti vatungamire bato riri kutonga.

VaTekere vanotiwo vaimbova mutungamiri weMozambique, muchakabvu Samora Machel, uye vaimbove mutungamiri wemauto e Zanla, muchakabvu Josiah Tongogara, vainge vasina chivimbo nehutungamiri hwaVaMugabe zvachose. Vanotiwo VaMugabe vane nhoroondo yekushandisa vanhu, vozovakanda kumarara sezvakaitwawo VaTekere.

VaTekere ndivo vakayambuka naVaMugabe kuenda kuMozambique muna 1974, asi vakazodzingwa mubato muna 1988 mushure mekutsoropodza nyaya yehuori uye nyaya yaVaMugabe yekuti pave nebato rimwe chete rezvematongerwo enyika.

VaTekere vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanhu vakavakumbira kuti vanyore nganonyorwa yehupenyu hwavo, senzira yekuchengetedza nhoroondo yenyika.

Doctor Ibbo Mandaza vanotungamira Sapes Books, kambani iri kutsikisa bhuku raVaTekere, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti bhuku iri rakatanga kunyorwa muna 2000, uye vakadhinda mabhuku zvuru zvitatu.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG