Hurumende iri kutarisirwa kupa mapato maviri makuru munyika mari inoita mazana matanhatu ane makumi mashanu emamiriyoni emadhora, $650 million yekushandisa gore rino.
Izvi zvinotevera hurongwa hwebhajeti ya 2007, pasi pemutemo we Political Parties Finance Act. Mari iyi ichapihwa mapato eZanu-PF ne MDC apo paramende ichatanga basa gore rino. Mari iyi inopihwa mapato aya negurukota rezve mitemo, Va Patrick Chinamasa, avo vanovezve mutungamiri weparamende.
Zanu-PF ichapihwa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvemari iyi, ukuwo MDC ichawana zvikamu makumi mana kubva muzana. Gore rapera pakava nekunetsana mu MDC, apo chikwata chinotungamirwa naVa Arthur Mutambara, chakaramba nemari iyi kupa MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.
Pari zvino MDC inotungamirwa naVaTsvangirai ine vamiiriri makumi maviri nemumwe, ukuwo chikwata chaVa Mutambara chine nhengo makumi maviri muparamende. Mari inopihwa MDC nehurumende, inofanirwa kunge iri mari yekufambisa mabasa ebato iri, zvikuru munzvimbo dzinenge dziine nhengo dziri muparamende
Patience Rusere weStudio7 atanga nekutaura nemutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirirwa naVa Mutambara, Va Abednico Bhebhe, kuti vatiudze zvavari kuronga nemari iyi kana vaipihwa.
Asimunyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaTendai Biti, vanoti kunyange hazvo vachifanirwa kuwana mari iyi, bato ravo riri kukoshesha nyaya yekutsvaga nzira dzekubvisa VaMugabe pachigaro, kwete kuswera vachipedzera nguva yavo pamari isina maturo ose.
VaBiti vaudza mutori wenhau weStudio7, Patience Rusere, kuti nyaya yemari iyi haibvisi VaMugabe pachigaro, kana kugadzirisa matambudziko akatarisana nevana veZimbabwe.