Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa Kwevanhu VekwaChitsa Koongororwa Nemagweta Anorwira Kodzero Dzevanhu

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kupokana nekubviswa kuri kuitwa vanhu vanga vakagara mumapurazi matatu mudunhu remaMasvingo, uko vanoti hakusi pamutemo.

Vanhu vanodarika chiuru nemazana mashanu, vakadzingwa mumapurazi avanga vakagara, ayo ari kunzi ndeevatungamiri vehurumende, vanosanganisira gurukota rezve dzidzo yepamusoro, Va Stan Mudenge, gavhuna weMasvingo, Va Willard Chiwewe, pamwe nemutevedzeri wegurukota rezve matunhu, Chief Fortune Charumbira.

Magweta aya anoti ari mushishi zvakare kuongorora kuti kodzero dzemhuri dzinodarika mazana manomwe dzekwa Chitsa, idzo dziri kugara mu Gonarezhou National Park, hadzisi kutyorwa here.

Mutauriri weParks and Wildlife Management Authority, Retired Major Edward Mbewe, vakati hurumende yakabvumirana nevanhu vekwa Chitsa kuti vabve panzvimbo iyi kana vapedza kukohwa. Hurumende inoti vanhu ava vanofanirwa kubva munzvimbo iyi sezvo yakaita chibvumirano ne hurumende dze South Africa ne Mozambique, kuti nzvimbo iyi, ibatanidzirwe mu Great Limpompo Transfrontier Park.

Va Otto Saki igweta rinorwira kodzero dzevanhu musangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights. Mutori we nhau we Studio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVaSaki kuti vatitsanangurire zviri kuitika munyaya idzi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG