Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vochema Chema Nemamiriro Ezvinhu Mugore ra 2007


Apo vanhu vapinda mugore idzva ra 2007, veruzhinji vanoti havaoni ramangwana ravo rakajeka, sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma muhupenyu hwavo.

Vanhu ava vanoti mari dzechikoro dziri kukwira, ukuwo mari dzekufambisa dzichiwedzerwa nguva dzose. Zvimwe zviri kukwira mitengo zvinhu zvakaita sechingwa, mafuta ekubikisa, sipo, mishonga, kanawo kufa chaiko kwava kudhurira vanhu vanenge vasara. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo ennyika dzinoti chva kudiwa hutangamiri hutsva hunokwanisa kubvisa vana veZimbabwe mumatope avakandwa nehurumende yaVaMugabe.

Mutori wenhau we Studio 7 Loirdham moyo, ataura neimwe mhuri inogara maMutare, ndokutipa nyaya iyi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG