Accessibility links

Breaking News

Hurumende ye Iraq Inouraya Vaimbove Mutungamiri Wenyika Iyi VaSaddam Hussein


Hurumende yeIraq neMugovera yakauraya vaimbove mutungamiri wenyika iyi, Va Saddam Hussein, zvichitevera kuwanikwa kwavakaita vaine mhosva yekuurayisa vanhu vanosvika zana nemakumi mana nevasere muguta reDujail, mugore ra1982, apo vaive mutongi wenyika iyi.

VaSaddam Hussein nevamwe vaviri vavaitongwa navo vakapiwa mutongo werufu pamhosva iyi, uye vaifanirwa kuurayiwa mukati memazuva makumi matatu. Asi hurumende yeIraq yakakurumidza kuuraya VaSaddam Hussein, mushure mekunge mutongo wekuita watambirwa nedare redzimhosva repamusoro soro.

Asi imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika inoti kuurayiwa kwaVa Saddam Hussein uku chinhu chisingatambirwi nemitemo inochengetedza kodzero dzevanhu pasi rose.

VaGlen Mupani, avo vari kuita zvidzidzo zvegutsa ruzhinji kuCape Town University kuSouth Africa, vanoti hongu vaSaddam Hussein vaive nemhosva dzavakapara, asi mutongo waikodzera, semaonero avo, kwaiva kuvatongera kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwose.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG