Mumhanyi akaita mukurumbira kuma 2000 ne 2004 Paralympic Games Elliot Mujaji ari kuchema nekushaikwa kwedzinhadare dzekushandisa izvo anoti zvauraya mitambo munyika. Michael Kariati anotipa nyaya iyi.
Mujaji akasimudza nyika yese apo akatora menduru yegoridhe mumujaho we 100 metres kumakundano e2000 ne2004 Paralympic Games asi anoti izvi zvichanetsa kudzokorodzwa nekuti vechidiki havasisina nhandare dzekumhanyira.
Anoti nhandare dzaive dzagadzirirwa mitambo munogara veruzhinji dzatorwa nevemachechi uyezve dzimwe dzacho dzave minda yevanhu avo vave kutoti nzvimbo idzi ndedzavo.
"Nzvimbo dzedu dzekumhanyira hatichakwanisa kudzishandisa. Vane mari nevemachechi ndivo vatora nzvimbo idzi. Hatisina zvekushandisa mubudiriro yemitambo," arikuchema Mujaji.
Mujaji anoti shoma dzacho dzasara hadzisi kubatwa zvakanaka zvekuti dziri kutadzisa vatambi kusvika chaipo pavanokwanisa muhunyanzvi hwavo.
"Kuchengetedza nhandare dzishoma dzacho dzatasara nadzo dizvo zvirikunetss zvekare. Vanhu havana hany'a nezvinhu zvacho,"anodaro Mujaji.
Zimbabwe haina zvekare nhandare dzenhabvu dzinokodzera kutambirwa mitambo neve kune dzimwe nyika zvekuti zvikwats zvayo zvave kushandisa nhandare dzekuSouth Africa semusha wadzo.
Mukuru wekumahofisi ebazi rezvemitambo muhurumende VaNicholas Moyo vanoti zvichatora nguva kuti Zimbabwe ishandise National Sports Stadium zvekare nekuti pane zvakawanda zvichirikuda kugadziriswa munhandare iyi kuti ishandisike.
"Vakawanda vanofunga kuti chirikushota muNational stadium mabucket seats asi hazvisirizvo. Kuti nhandare iyi ishandisike zvekare parikuda nguva yakati rebei nekuti taitoda imwe nhandare itsva," VaMoyo vakataurira vanyori venhau dzemitambo.
Mutauriri weguta reHarare, VaStanley Gama, havana kupindura mibvunzo yatakavatumira kuti vatitaurire kuti hurongwa hwekanzuru hwekutora nzvimbo idzi vachidzorera kuti dzishandiswe zvakare kuitira mitambo hwasvika papi.
Asi mugari wemuWarren Park muHarare VaProsper Magoka vanoti kanzuru irikuvaregerera nekuti vamwe vana vave kuenda kunotora zvinodhaka nemhaka yekushaya pekutambira mitambo yavo.
"Vana havasisina pekutambira. Vave kuswera vachiita zvemutoriro nekuputa mbanje. Saka tirikukumbirawo Commission yeCity of Harare, kana ichiripo, kuti iite ongororo kuti zvakafambiswa sei, nekuti vana havasisina nzvimbo dzekutandarira hakuchina," vanokumbira VaMagoka.
Mujaji akatora menduru yake yegoridhe kumaParalympic Games a2004 mazuva mashoma-shoma mutuhwinhi uye vave gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry vachangobva kutorawo menduru dzavo kumaOlympics Games egore iroro.
KuAthens ikoko, Coventry akatora menduru nhatu dzinoti yegoridhe, yesirivha, neye bronze.
Asi Mujaii anoti ruremekedzo rwunopihwa vemuZimbabwe vakambosimudza mureza wenyika mumakwikwi epamusorosoro huri pasi pasi zvikuru pane huremu hunopihwa vakaita zvimwechetezvo kune dzimwe nyika.
"Ndichitarisa nezverikuitika munyika unonyatsoona kuti wakato kanganwikwa zvachose kuita sepasina zvawakambpitirawo nyika. Tikatarisawo vane mukurumbira wakwaita semi kune dzimwe nyika, mararamiro avarikuita neangu akatosiyana. Varikubatwa nenzira yakanaka, nerukudzo nerumekedzo rwekuratidza kuti vakamboitirawo nyika zvikuru," anodaro Mujaji.
Asi vaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe vakatenda Mujaji nekumupa mari inoita iyo zviuru makumi maviri zvemadhora ekuAmereka apo akadzoka kubva kuAthens.
Pari zvino, Mujaji ari mubishi rekusimudzira vechidiki munharaunda yeZvishavane nenzvimbo dzakakomberedza kuti vatevere kana kudarika zvaakaita iye panguva yake.
Anoti ari kuwana chikumbiro kubva kune vechidiki vanoda ruyamuro rwekumhanya zvepamusorosoro kune dzimwe nzvimbo dzakaita seGokwe, Sanyati neZhombe asi achiti izvi hazvikwanisike sezvo asina zvikwanisiro.
Mujaji ane sangano rake rekusimudzira vechidiki mukumhanya rinodaidzwa iro kunzi Elite Athletics Academy uyezve rine vamhanyi vechidiki makumi matatu nevana.
Mumhanyi uyu ndiye zvekare aive murairidzi wechikwata cheZimbabwe chevamhanyi vaviri vechidiki, Tinotenda Bango naKudakwashe Chigwedere, kuma 2024 Paralympic Games, kuParis, kuFrance.
Forum