Accessibility links

Breaking News

Musangano weTNF Waitwa paNguva Iyo Makambani Akawanda Ave Kugumura Vashandi


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Hurumende, makambani pamwe nemasangano anomirira vashandi nhasi vasangana muHarare vakazeya mazano ekutora kuti hupfumi hwenyika husarambe huchienda kumawere uye zvabuda pachena kuti kusangadzikana kwemari yemaZIG pamwe nekumanikidza makambani kutambira mari yemunyika asi iwo achitenga zvinhu zvekushandisa zvakaita sepeturu nedhiziri nemari yekuAmerica ndizvo zviri kuvhiringa zvinhu munyika.

Vachitaura mushure memusangano weTripartite Negotiation Forum, munyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Union, VaKudakwashe Munengiwa, vati zviri pachena kuti matambudziko munyaya dzehupfumi ari kukonzerwa nenyaya yekusagadzikana kwemari yeZiG. Vati, “Ndozvatiri kuda kuti tibatanidze pfungwa, hurumende, vashandi nevemabhizimisi tigadzire nyika nekuti ndoyega nyika yatiinayo."

Vatizve, "Saka tinofanira kutaura zvinhu zvinofamba nekuti hatifaniri kuti vamwe torai maZIG iwe muhomwe mako uri mukuru wehurumende uine nemadhora eku America.”

Vatiwo kunyange hazvo zvinhu zvakaomerawo makambani, vanoona sekuti mamwe makambani akawanda munyika ari kudzvinyirira vashandi pamwe nekuvapa mihoro iri pasi pamwe nekuvamisa basa zvisina kodzero.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Publice Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vatiwo hapana kujeka pamashandisirwo emari yemuno neyekunze vachiti izvi ndizvo zviri kuvhiringa zvinhu munyika. VaDzatsunga vati, “Tine maUS kune parallel market zvese izvozvo zvinhu zviri kunetsa kuti zvogadziriswa sei kuti zvishandidzane kuti mushandi agofara, mushandirwi ago fara uye kuti hurumende igokwanisawo kunzi e iri kuitira vanhu vayo zvinhu zvakanaka.”

Vati zvitoro zvikuru munyika zviri kuvhara nekuti zviri kumanikidzwa kutengesa zvinhu nemaZIG asi vezvitoro zvidiki zvisingabhadhare mutero vachitengesa pamadiro nemari yekuAmerica vasingarambidzwe nehurumende.

Vati, “Hachazivi manje kuti kuda kune vamwewo muhurumende vane maTuckshop nekuti ndiko kwacho kuri kuenda maUS Dollar.”

Mushandi mukuru musangano rinomirira vashandirwi munyika reEmployers Confederation of Zimbabwe, Amai Nester Mukwehwa, varamba kuti vari kuwana mari yakawanda kana kuti "profit' asi vachibatirira vashandi.

Amai Mukwehwa vati, “Mari yese inopinda mukambani haimirire kubhadhara mushandi chete ine zvimwe zvinoda kubhadharwa zvinenge mvura, magetsi nemutero.”

Vange vakamirira hurumende munhaurirano dzanhasi, VaOnesimo Misi, avo vanoshanda muhofisi yemutungamiriri wenyika vati hurumende ichagadzirisa matambudziko akatarisana nevemabhizimisi nevashandi.

“Pamberi apo kana taita zvinofanira kuitwa zvacho tatora zvatinofungira kuti ndizvo zvingatibatsira tazviendesa kudare remakurukota, dar iri rikazvizeya panofanira kubuda zvinobatsira mabhizimisi kuti nyika yedu iiende mberi” VaMisi vaudza Studio 7.

Vanoongoorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti matambudziko akatarisana nehupfumi munyika anoratidza kuti hurumende haiterere vashandi nevemabhizimisi apo inoronga mabhajeti ayo pamwe nehwaro hwehupfumi wenyik..

Makambani akawanda kusanganisira anotengesa zvinhu ari kuvhara uye ZCTU yati vashandi vanodarika zviuru makumi maviri (20 000) vakamiswa mabasa gore rapfuura nekuda kwekusagadzikana kwehupfumi munyika.

EMCOZ yatiwo makamabani anodarika mazana matatu (300) munyika akamisa vashandi basa nekuda kwekuoma kwaita zvinhu munyika.

Forum

XS
SM
MD
LG