Accessibility links

Breaking News

Vanhu Munyika Voyambirwa neZvemafashamu Kutanga neChitatu


Mvura zhinji ichinaya munyika
Mvura zhinji ichinaya munyika

Vanoona nezvemamiriro ekunze ve Met Department vari kuyambira vanhu munyika nezvemafashamu ari kutarisirwa kune dzimwe nzvimbo munyika kubva mangwana kusvika musi we china.

Vanoti kuri kutarisirwa kunaya mvura inosvika mamirimita makumi masere muzuva rimwechete kumatunhu akaita seMatebeleland neMidlands zvichakonzera mafashamu ne mhepo yakawanda kune dzimwe nzvimbo.

Veruzhinji nevatyairi vedzimotokari vari kuyambirwa kuti vangwarire matambudziko anogona kukonzerwa nemamiriro ekunze aya.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru wezvekudzivirirwa kwevanhu munguva yenjodzi mubazi re Civil Protection Unit, Amai Veronica Bare vanoti vakagadzirira zvakakwana sebazi kuti vabatsire veruzhinji munguva yakadai.

Vanotiwo kurudziro yavo ndeyekuti vanhu vatevedzere zviziviso zvinoburitswa nevebazi rinoona nezvemamiriro ekunze kuti vasazopinde mumatambudziko.
Vatyairi ne mvana vechikoro vanonzi havafanire kuyedza kuyambuka nzizi kana dzakazara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG