Vanoona nezvemamiriro ekunze ve Met Department vari kuyambira vanhu munyika nezvemafashamu ari kutarisirwa kune dzimwe nzvimbo munyika kubva mangwana kusvika musi we china.
Vanoti kuri kutarisirwa kunaya mvura inosvika mamirimita makumi masere muzuva rimwechete kumatunhu akaita seMatebeleland neMidlands zvichakonzera mafashamu ne mhepo yakawanda kune dzimwe nzvimbo.
Veruzhinji nevatyairi vedzimotokari vari kuyambirwa kuti vangwarire matambudziko anogona kukonzerwa nemamiriro ekunze aya.
Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru wezvekudzivirirwa kwevanhu munguva yenjodzi mubazi re Civil Protection Unit, Amai Veronica Bare vanoti vakagadzirira zvakakwana sebazi kuti vabatsire veruzhinji munguva yakadai.
Vanotiwo kurudziro yavo ndeyekuti vanhu vatevedzere zviziviso zvinoburitswa nevebazi rinoona nezvemamiriro ekunze kuti vasazopinde mumatambudziko.
Vatyairi ne mvana vechikoro vanonzi havafanire kuyedza kuyambuka nzizi kana dzakazara.
Forum