Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodzokorora Zvakare Shoko Ravo Rekuti Vachanozorora Panopera Temu Yavo yePiri Muna 2028


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMuvhuro vadzokorora zvakare shoko ravo rekuti vachatevedzera bumbiro remitemo vachiti havasi kuzopfuura nguva yavanofanirwa kunge vari muhofisi, iyo inopera muna 2028.

Vachitaura pamusangano wavaita nevapepeti venhau vabva kumasangano akasiyanasiyana uyo waitirwa kumuzinda weState House muHarare, VaMnangagwa vati kana matemu avo maviri apera nyika nebato zvichaenda mberi nekusarudza achavatsiva, vachiti izvi zvakajeka sezuva.

Mutungamiri wenyika vati ivo vanofunga kuti avo vane Zanu PF pamwoyo vanotevera mitemo yeZanu PF, vachiti kune vamwe vari muZanu PF asi mukati memwoyo yavo vasiri Zanu PF, kunyange hazvo vachipfeka mbatya dzeZanu PF.

Vati nekuda kwaizvozvo, nguva dzose panofanirwa kuonekwa kana vanhu ivava pavanotaura kuti ndevechikwata chipi vachingovhura miromo.

Vachipindura mubvunzo wekuti kana vakanyengetedzwa kuti vaenderera mberi vari pachigaro vachabvuma here kunyengetedzwa, VaMnangagwa vati ivo ndivo vachatonyengetedza vari kuvanhengetedza kuti vasavanyengetedze kuti varambe vari panyanga.

Humwe hutungamiri hweZanu PF huri kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe.
Humwe hutungamiri hweZanu PF huri kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe.

Izvi zviri kuuya apo kurudziro yekuti VaMnangagwa vatonge kusvika muna 2030 iri kuwedzera matunhu akawanda achiitsigira, ukuwo vamwe vakuru mubato iri vachiti bumbiro remitemo richavandudzwa kuitira kuti ripe mukana wekuti mutungamiri wenyika vaenderere mberi nekutonga.

Asi mune vamwe mubato iri vari kutsika madziro vachiti VaMnangagwa vanofanirwa kusiya chigaro panongopera temu yavo yepiri muna 2028.

Mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti izvi zvinoratidza kuti iyi inhau iri kutauriranwa mukati mebato, isati yayave nhau yapedza kutauriranwa.

“Ende zvinoratidzawo kuti tine democracy mukati mebato redu reZanu PF rekuti vanhu vanotenderwa kuti vataure vachitaurawo zvichemo zvavo, zvido zvavo, vachizvisvitsawo kuvakuru. Manzwawo kutaura kwemukuru. Havangangotori mashoko evanhu voarasira kure,” VaMarapira vanodaro.

VaMarapira vanoti zviri kutaurwa naVaMnangagwa zviri pachena, asi nekuda kwekuti mubato reZanu PF mune hutongo hwejekerere, zvasarira kumatunhu ebato ravo kuti achatambira sei mashoko emutungami wavo ekuti vachanyengetedza vari kuvanyengetedza ava kuti vasavanyengetedze kuti varambe vari pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vanoti aka hakasi kekutanga VaMnangagwa vachitaura mashoko akadai, vachiadzokorora.

Asi Doctor Mahembe vanoti vanhu havafanirwi kunyanya kuverengesa zvakadzama zviri kutaurwa naVaMnangagwa izvi, vachiti mutungamiri wenyika munhu anozivikanwa zvake nekuwanza kutaura zvaasingazoiti.

Vanoti zviito ndizvo zvinofanirwa kuonekwa kudarika mashoko.

“Kureva kuti zvavanoita kana kuti zvinoitwa zvakanyanya kukosha kudarika zvinotaurwa nekuti tikatarisa panguva yapera iyo pakaita maMP vakawandanwanda vakaungana pa farm ravo. Nyaya yavakaunganira yakanga iri yeED 2030. Pamba Pavo chaipo. Saka izvozvo ndozvimwe zvinoita kuti vanhu vafungidzire kuti vari kutaura vachitena left asi ivo vachienda havo right,” Doctor Mahembe vanotsanangura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG