Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vane Vana Vari Kushandisa Zvinodhaka Vokurudzirwa Kutaura neNyanzvi dzeZvirwere zvePfungwa


Vabereki vane vana vari kunwa nekuputa zvinodhaka zvisiri pamutemo vari kukurudzirwa kuti vatsvage rubatsiro nechimbichimbi kubva kunyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa kuti vakwanise kubatsira vana vavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Nkululeko Dewa vanoti vabereki vanofanira kuziva kuti vana vane dambudziko rekushandisa zvinodhaka vanenge vatokanganisika pfungwa nekudaro zvakakosha kunzwisisa kuti havafanire kuitirwa hasha kana kugara vakasungwa maoko nemakumbo netambo.

Vaendera mberi vachiti vana vanedambudziko iri vanoda kuratidzwa rudo rwakanyanyisa kwete kugara vakatsiura nguva dzose.

Vaenderera mberi vachitiwo mwana anedambudziko rekunwa nezinodhaka akangofanana nevamwe vane zvirwere zvinenge BP neshuga nokuti naivowo vanorwara.

Kubva kuhondo dzakaita seWorld War 1 ne 2, mauto enyika dzakawanda aishandisa zvakanyanya zvinodhaka zvichifungidzirwa kuti zvaizopa kuti vasanete. Dr Dewa vati semuenzaniso crystal meth kana kuti mutoriro waishandiswa nemauto ekuAmerica panguva yehondo yekuAfghanistan kuti vasanzwa hope.

VaCharles Rula vekuChitungwiza vati havana havo vana vane dambudziko iri asi vari kuona sekuti vanababa vave kusiira anaamai mutoro wekuchengeta vana vari kushandisa zvinodhaka.

Baba Rula vanoti varume ngavamire saana baba vemhuri nokuti dambudziko iri ratekeshera mumisha yakawandisa.

Mukuru wesangano rinobatsira vanorwara nezvirwere zvepfungwa nekuda kwekushandisa zvinodhaka reMubatirapamwe Trust Amai Kiri Christine Hurukuro Madamombe vanokurudzira vabereki kuti vasamanikidze vana kuita dzidzo dzavasingade.

Mukomana wechidiki Charles Feshete, uyo akaita zvidzidzo zvepamusoro kana kuti Masters Degree anoti akavhiringika pfungwa nezvinodhaka asi akabatsirika zvokuti ave kutoshanda.

Feshete, uyo akashaikirwa naamai vake ari muchipatara, anoti rufu rwaamai vake ndirwo rwakaita kuti amire tsika yekunwa nekuputa zvinodhaka.

Ongororo dzakawanda dziri kuitwa nenyanzvi munyika dziri kuratidza kuti kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi kwave kupa kuti vechidiki vakawanda vagume voshandisa zvinodhaka.

Sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development rinoti kushandiswa kwezvinodhaka kwadzosera nyika kumashure nekuti vanhu vanofanira kunge vachishanda kusimudzira nyika vave kugara vakadhakwa.

Ongororo yakaitwa neimwe nyazvi munyaya dzezvemagariro evanhu VaIshmael Mugari inoratidza kuti vechidiki vanodarika zvikamu makumi mashanu nemanomwe kubva muzana, 57% vari kushandisa zvinodhaka zvisingabvumidzwe.

Munyika. Zviri kushandiswa zvinosanganisira mutoriro, dombo, guka nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG