Vagari vemunzvimbo yeHighfield neRugare muHarare, vari kudya gaka neminzwa yaro, vachishora kanzuru yeguta iri nekuda kwemvura yakasviba iri kupota ichibuda mupombi dzavo dzemvura. Asi kanzuru inoti, mvura iyi haina chakaipa chainokonzera muvanhu.
Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanely Gama, vaudza Studio 7 kuti mvura yakasviba nekuti vaigeza matangi. VaGama vati, “Mvura yakambovharwa kuchigadzirwa michina inopomba mvura, izvo zvakakonzeresa kuti matengi ainochengeterwa asare aine mvura shoma zvakanyanya.”
Vatiwo. “Naizvozvo, kwakange kwave kupombwa mvura yakasviba yepazasi-zasi yakasviba paruvara. Kusviba uku mishonga inoshandiswa kuchenesa mvura, naizvozvo inonogara pasi pematangi emvura- zvichireva kuti mvura iyi haina kusviba.”
Asi mamwe makanzuru pasi rose kana achida kugeza matangi kana pombi dzemvura anozivisa vanhu kuti vavhure pombi dzemudzimba kuti varase mvura yakasviba kusvika yachena.
Mumazuva matatu adarika, mvura yakasviba kuti ndoo, uye iine hwema hwakaipisisa, yanga ichibuda mumapombi evagari vemuHighfield nevekuRugare, ichibva kukanzuru.
Muzvare Kudzai Chivasa, avo vanogara muHighfield, ndemumwe wevagari vemunzvimbo iyi vanoti havasi kufara nemvura yakasviba iri kubuda mupombi dzavo.
Vaudza Studio 7 kuti, “Mvura yacho hauna kana chaunoita nayo nekuti kana kuti uishandise muchimbuzi, haitomboite.” Vaenderera mberi vachiti, “ Zvinenge zvakangofanana nekuti hatina mvura. iko kunhuhwa kwainege ichiita, ungati haina kana kumboiswa mushonga. Tava kutotyira zvirwere nekuda kwemvura iyoyi.”
Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vatenda kuti sangano ravo rawana zvichemo kubva kuvagari vakawanda. “Tiri kufungidzira kuti pane zvinogona kunge zvakaitika kumapombi anopomba mvura inoenda kuvanhu vekuHighfield, zviri kuzokonzeresa kuti zvidai.”
VaShumba vaudza Studio 7. Vatizve, “Mvura iyi inonzi iri kubuda yakatoita sekunge isina kana kumbocheneswa nemishonga- sezvo ichiita sekunge ine tsvina yevanhu. Zviri kuda kuti kanzuru ikasike kutsvaga pari kubvira dambudziko iri.”
Kunyange kanzuru ichiti mvura iyi haina hutachiona hungakonzeresa zvirwere, mukuru werimwewo sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akilli, vanokurudzira vanhu vemuHarare vatore mamwe matanho ekuchenesa mvura yese inobva kukanzuru.
VaAkili vati, “Kunyange mvura ikabuda pamapombi yakachena, zvinokosha kuti vagari vaise mapiritsi anowedzera kuichenesa, kana kuti vaifashaidze vasati vaishandisa kunwa kana kubika.”
Vatiwo. “Kusvibva kwemvura uku kunobuditsa pachena zvatagara tichitaura seCHRA kuti mvura inowaniswa vanhu vemuguta guru yakasviba. Kanzuru ngaitore matanho ekugadzirisa dambudziko iri zvachose.”
Mukutanga kwegore rino, hurumende yeZimbabwe yakazivisa kuti ichaita kuti makambani anoshanda akazvimirira apihwe mvumo yekuita basa rekuwanisa vanhu vemuHarare mvura, basa riri kuitwa nekanzuru parizvino.
Hurumende yaiti, izvi zvinogona kuita kuti dambudziko rekushaiswa mvura, kana kuwaniswa mvura yakasviba, ripere.
Asi mukuru wesangano rinoona nezvekodzero dzevanhu dzemvura, reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, vanoti kupa makambani anoshanda akazvimirira basa rekuti vawanise vagari veHarare mvura, idanho rakaipa chose.
VaMudzingwa vati, “Handioni hurongwa uhwu huchishanda nekuti kutaura kuno, kanzuru iri kutora mari yakawanda kuvagari yekuti inge ichivawanisa mvura, asi iri kukundikana.”
Vatizve, “Chikuru chinoda kugadziriswa inyaya yemafambisirwo ebasa kukanzuru, kunyanya panyaya dzemvura. Saka kunyange kukauya kambani yemvura yakazvimirira, kana nyaya idzi dzisina kugadziriswa, dambudziko remvura muHarare, richaenderera mberi. Uyewo, mvura iyi ichadhurira vagari.”
Aka hakasi kekutanga kanzuru yeHarare, ichipomba mvura yakasviba kudzimba dzevagari, sezvo dambudziko iri richiitika pese panombovharwa mvura, zvichinzi michina inopomba mvura muguta rese inenge ichigadzirwa kuMorton Jaffray kana kuti paPrince Edward Water Works.
Rimwe dambudziko revagari vemuHarare nderekuti zvibhorani zvakawanda muguta zvinonzi hazvina kuchena.
Izvi ndizvo zvinonzi nenyanzvi zvinopa kuti zvirwere zvakaita secholera, typhoid nezvimwe zvipararire zvakanyanya
Forum