Kunetsana muZanu PF pamusoro pehurongwa hwevamwe mubato iri hwekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari panyanga kusvika muna 2030 kunonzi nevamwe kwakwira kusvika pakuvhundutsirwa kweavo vanoonekwa sevasiri kutsigira hurongwa uhu.
Vari kupokana nekuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuitira kuti mutungamiri wenyika vatonge kudarika nguva yavanopiwa nebumbiro remitemo iyo inopera 2028, vanonzi vave kushandisirwa nzira dzakasiyanasiyana dzekuvanyaradza nadzo dzinosanganisira kudzingwa mubato nekuvezerwa mhosva dzakasiyanasiyana.
Vari kutungamira mukurudziro yekuti VaMnangagwa vasiye chigaro uye vachipikisa hurongwa hwa2030, vari vaimbove murwiri wehondo yerusununguko, VaBlessed Runesu Geza, vanonzi vave kutsvagwa nemapurisa vachipomerwa mhosva dzine chitsama dzinosanganisira yekuzvidza mutungamiri wenyika mushure mekunge vakurudzira kuti VaMnangagwa vasiye chigaro vachivati vatadza kutonga.
Vaimbove nhengo yevechidiki muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti mazuva apera Zanu PF yakatuma mumwe wechidiki wayo anobva kuEpworth kuti akanganise musangano wavo nvetori venhau achiti aida mbudzi dzake mbiri dzaakavimbiswa naVaTsenengamu paakambovabatsira kutsvaga rutsigiro.
VaTsenengamu vanoti havana kumbobvira vashanda nemurume uyu zvekuti vakatoshamisika achiita zvekutungana kwembudzi pamusangano wavo uyu.
Vanoti magariro eZanu PF ekupomera mhosv vose vanenge vangoita maonero akasiyana neavo, vachipa muenzaniso wemutungamiri wenyika VaMnangagwa kuti naivowo pavakanga vapesana nevamwe mubato iri vakatombopomerwa mhosva dzine chitsama muna 2017 zvakazoita kuti vatize munyika.
Nhengo yeZanu PF iri kuBritain, Doctor Masimba Mavaza vanoti ichokwadi kuti mubato ravo mune kutyisidzirana vachiti zvinhu zvinofanirwa kumiswa kuitira musangano uenderere mberi zvakanaka.
Asi vanoti hachisi chikwadi kuti VaGeza vave kudiwa nemapurisa nekuti vanetsana nevamwe muZanu PF, vachiti kana vakapara mhosva dzavo vanofanirwa kutarisana nemutemo vozochenurwa nematare edzimhosva.
Vamwe vanoti vri kutysidzirwa nekushungurudzwa ndemumwe aimbove nhengo yevechidiki yeZanu PF, VaMunyaradzi Shoko, avo vanodoma mazita evanhu vari kuvashungurudza nekuti vanopikisa hurongwa hwe2030.
Ukuwo, vechidiki veZanu PF nevamwe vakarwa hondo vakatobuda pachena vachiti havasi kuzopeta maoko vachirega vanhu vashoma vachikanganisa nzira yekuti VaMnangagwa vatonge kusvika 2030.
Forum