Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hurumende Ichabatsira Kuviga Vafa muNjodzi yekuBeitbridge

Beitbridge Border Post
Beitbridge Border Post

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti hurumende ichabatsira mukuvigwa kwevanhu makumi maviri nevana vafa munjodzi yemumugwagwa kuBeitbridge nhasi mangwanani.

Mumashoko kuvatori venhau, VaMnangagwa vati zvinorwadza kurasikirwa nehupenyu hwevanhu vakawanda zvakadai. Vatiwo panofanira kutorwa matanho kuti vanhu vasarambe vachirasikirwa nehupenyu munjodzi dzemumugwagwa.

Vanhu ava vafa pabonderana bhazi rekwaUrban Connect nerori mumugwagwa weBeitbridge-Masvingo . Njodzi iyi yaitikira pedyo neLutumba ‘toll Gate’ nenguva dza 8 mangwanani.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi vati bhazi iri range rakatakira vanhu makumi matanhatu nevashanu uye raroverana nerori yeAuro Transport Haulage yange yakatakura vanhu vama. Bhazi range richienda kuBeitbridge.

Mitumbi yevashaya yaendeswa kuchipatara cheBeitbridge District Hospital. Huwandu hwevakuvara hausati hwaziviswa.

Nyanzvi munyaya dzezvenjodzi dzemumigwagwa vaimboshanda neTraffic Safety Council of Zimbabwe VaTatenda Chinoda vanoti panofanira kudzikwa mitemo yakaoma kuranga vanokonzera rufu rwevanhu mumigwagwa.

No media source currently available

Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
​
XS
SM
MD
LG