Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushora zvikuru nyaya yehuori apo hupfumi hwenyika hworamba huchitatarika.
VaMnangagwa vataura izvi pakuparura kutanga kwebasa kwedare ravo remakurukota kuState House muHarare nhasi.
VaMnangagwa vati havasi kuzotendera nyaya dzehuori zvachose uye kupanana mabasa nechikiribidi.
Vati vanhu vari kupihwa mabasa ehurumende vanofanira kunge vaine hunyanzvi hwacho.
Vatiwo vatevedzeri vemakurukota vachange vachigara pabasa zvichienderana nezvavanenge vakwanisa kuita.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaGibson Nyikadzino vanoshanda nesangano reCheckmate Consultancy vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naVaMnangagwa zvinoshanda kana zvikatevedzerwa.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology Muzvinafundo Ricky Mukonza vati muromo wagara hawo hauzarirwe nerwizi.
Forum