Accessibility links

Breaking News

VeSADC neEast African Community Vobata Kuzeya Hondo Iri muDRC.


Vamwe vatungamiriri venyika dzemu EAC
Vamwe vatungamiriri venyika dzemu EAC

Vatungamiri venyika dziri mugungano reSADC nevari mugungano renyika dzeEast Africa Community kana kuti EAC vari kusangana muTanzania musi weChishanu neSvondo kuti vazeye nyaya yehondo iri muDRC.

Sachigaro weSADC VaEmmerson Mnangagwa nasachigaro weEAC VaWilliam Ruto mutungamiri weKenya vakatowirirana kare nezvemusangano uyu.

Pane kunetsana kukuru pakati peRwanda neDRC. DRC inoti Rwanda iri kutsigira vapanduki veM23 vari kuirwisa. , Ukuwo Rwanda ichiti DRC iri kushanda neverudzi rwechiHutu vakaponda vanhu munyika iyi vakanopoterako.

VaRuto vati vakakoka vatungamiri veRwanda, Uganda, Somalia neSouth Africa.

South Africa, Tanzania neMalawi dzine mauto muDRC uye vamwe vavo gumi nevapfumbamwe vari pavanhu mazana manomwe vakaurayiwa kuGoma masvondo adarika.

Chikwata che M23 nhasi chinonzi chambomisa kurwisa kuti vanhu vawane rubatsiro muguta reGoma ravakatora.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusoro cheJohannesburg University, Doctor Collen Chambwera vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo paine hurongwa hwenahurirano uhwu, kupedza mhirizhonga iyi nekuchimbidzackuchanetsa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG