Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Mune zveHupfumi Dzopesana Maonero Patarisiro yeWorld Bank yeKuti Hupfumi hweZimbabwe Huchakura neZvikamu Zvitanhatu Kubva muZana


World Bank inoti hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.
World Bank inoti hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kupa maonero akasiyanana pagwaro rakaburitswa neWorld Bank riri kuti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana mugore rino ra2025.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanowirirana negwaro iri vachiti nemvura iri kunaya munyika pari zvino zvichabatsirawo zvakare kusimudzira mamwe mapoka ezvehupfumi anodyidzana neboka rekurima.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari mukuru weUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vanotiwo vanowirirana negwaro iri patarisiro yekukura kwemabandiko ezvekurima nezvicherwa, asi vanosimbisisa kuti iyi itarisiro chete inogona kuzokanganiswa nezvimwe zvimhingamipinyi zvinogona kunyuka pakati apo gore risati rapera.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti havaoni tarisiro yeWorld Bank iyi ichibuda sezvairi nekuda kwezvimhingamipinyi zviri kuvhiringidza makambani zvinosanganisira kushaikwa kwemagetsi nemari, izvo zviri kumanikidza zvitoro zvikuru zvakawanda kuvhara.

Izvi zvinotsigirwa naDoctor Mahembe, avo vanoti vari kushushikana zvikuru nekuti mugawo iri hamuna tarisiro yekuti maindasitiri achakurawo.

World Bank yakakurudzirawo kuti, kuti hupfumi hwenyika husimukire, Zimbabwe inofanirwa kuenderera mberi nekugadzirisa matambudziko airi kusangana nawo munyaya dzezvehupfumi uye kudzikamisa mitengo yezvinhu.

Zimbabwe iri kukurudzirwawo kuuenderera mberi nekugadzirisa nyaya dzezvikwereti zvayo kuburikidza nekuzvibhadhara pamwe nekupinda munhaurirano dzeStructured Dialogue Platform.

Asi zvingakwanisika here izvi? Muzvinafundo Masocha vanodzoka vachitihavaone sezvinokwanisika vachipa chikonzero chekuti nekuda kwekuti Zimbabwe inokundikana kutevedzera mitemo yayo yainozvidzikira havangaone ichizotevedzera zviri kukurudzirwa neWorld Bank.

NeChishanu chadarika World Bank yakaparura gwaro rinopa fungidziro yekukura hwehupfumi kwenyika rinokurudzira kuvandudzwa kwenzira dzekuzvidzivirira kubva mumatambudziko anokonzerwa nekushandisa kwemamiriro ekunze, rinonzi “Improving Resilience to Weather Shocks and Climate Change.”

Gwaro iri rinoti chikamu chezvekurima chinotarisirwawo kukura nezvikamu gumi nezvitatu kubva muzana, zvichikonzerwa nekusimbaradza kurimwa kwechibage nefodya kwakaitwa nenyika.

Rinotiwo boka rezvezvicherwa rinoramba richiratidza kukura kwakasimba, zvichitsigirwa nekukwira kwemitengo yegoridhe pasi rose, uye boka rezvekushanyirwa kwenyika riri kukurawo nekukurumidza kuburikidza nekuwedzera kwevashanyi vanobva kune dzimwe nyika.

Asi rinoti boka rezvekugadzirwa kwezvinhu riri kutatarika nekuda kwekushomeka kwemagetsi kwakakonzerwawo nekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka wadarika izvi zvakadzikisa huwandu hwemvura inopinda mudhamu reKariba kunove kunogaiwa magetsi enyika.

Hupfumi hweZimbabwe hwakakura nezvikamu zviviri kubva muzana mugore rapera ra2024 nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura zvichikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti El-Nino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG